Rwangu rwudyi madambura mukati Sara neruboshwe " .andirambi
Rwangu izwi nyoro rwakareraka torei kundisiiira rwakaipa
Shungu dzove mombe njuma kushopera chakadya nyanga
Kutora yangu hama panguva yakaoma
Shamwari panguva yekufara
Mupangi we zano panguva yedzidziso
Sarai vakoma
Pandakakuudzai pakakwana "
Pandakafara nemi yaive nguva "
Pandakapanga munzwi ndiwe "
Kurayira ,,kufara ,kushanda
Chaive chiratidzo kwamuri
Kubva kuvakuru
Kusvika kuvadiki
Kuti izova tondedzo kwamuri
Mose
Iwe
Osman
Munashe
Gladys
Ane nzeve ndiye
Akanzwa
Zororai murugare sekuru vakezi
Zororai murugare mudzidzi inabhiyoji m
Zororai murugare mr Anderson Mapisa
Dzangove
Ndangariro
Matisiira
Ronda
Kuticheka nerakagomara
Kubaiwa nepfumo Jena
Kubatwa meso
Kutungamidza mufaro
Kuchema koteverera
Asi tsumo yevakuru iya kana ichishanda
Zveshuwa
Vakamboonana
Havashayane
Tichsangana pazuva rerumuko
Mati mabvuma
Chokwadi kuti tisiirwe
Urwo
Ruoko re boshwe
Zvino ruboshwe
Rwagara Arwuna
Tsitsi
Arwuna moyo munyoro
Achati
Nyaradza ndianiko nemashoko
Eshuwiro
Enunuro
Eyambiro
Penyu makapedza
Renyu basa makabata
Pasarira isu vapenyu
Mwari vatendera tichasangana
Kranci
0771707742
©kranci
K